Judges 1

VaIsraeri vanorwa navaKenani vakasara

1Mushure mokufa kwaJoshua, vaIsraeri vakabvunza Jehovha vakati, “Ndiani pakati pedu achatanga kukwidza kundorwa navaKenani?”

2Jehovha akapindura akati, “Judha ngaaende; ndapa nyika mumaoko ake.”

3Ipapo varume veJudha vakati kuvaSimeoni hama dzavo, “Ngatiendei tose kunyika yatakagoverwa, kuti tindorwa navaKenani. Nesuwo tichaenda nemi kumugove wenyu.” Saka vaSimeoni vakaenda navo.

4Judha paakarwisa, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko avo uye vakauraya varume zviuru gumi paBhezeki. 5Ipapo ndipo pavakawana Adhoni Bhezeki vakarwa naye. 6Adhoni Bhezeki akatiza, asi vakamudzinganisa vakamubata, vakagura zvigunwe zvake zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvake zvikuru zvomumakumbo.

7Ipapo Adhoni Bhezeki akati, “Madzimambo makumi manomwe, vagurwa zvigunwe zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvikuru zvokumakumbo, vakanonga zvimedu zvezvokudya pasi petafura yangu. Zvino Mwari anditsiva pane zvandakaita kwavari.” Vakaenda naye kuJerusarema akandofira ikoko.

8Varume veJudha vakarwisawo Jerusarema vakaritora. Vakakunda guta nomunondo uye vakaripisa.

9Shure kwaizvozvo, varume veJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani vaigara munyika yezvikomo, kuNegevhi uye nomujinga mezvikomo zvokumavirira. 10Vakaenda vakandorwa navaKenani vaigara muHebhuroni (rainzi Kiriati Abha kare) vakakunda Sheshai, Ahimani neTarimai.

11Vachibva ipapo, vakaenda vakandorwa navanhu vaigara muDhebhiri (rainzi Kiriati Seferi kare.) 12Uye Karebhu akati, “Ndichapa mwanasikana wangu Akisa kuti ave mukadzi kumurume acharwisa uye achatapa Kiriati Seferi.” 13Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu, akarikunda, saka Karebhu akapa mwanasikana wake Akisa kuti awanikwe naye.

14Rimwe zuva akati achisvika kuna Otinieri, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akati aburuka pambongoro yake, Karebhu akamubvunza akati, “Ndingakuitireiko?”

15Iye akapindura akati, “Ndiitirei zvakanaka. Sezvo makandipa nyika kuNegevhi, ndipeiwo matsime emvura.” Ipapo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.

16Zvizvarwa zvatezvara vaMozisi, vaKeni, vakakwidza vachibva kuGuta reMichindwe vaine varume veJudha kuti vandogara pakati pavanhu vokuGwenga reJudha riri kuNegevhi pedyo neAradhi.

17Ipapo varume veJudha vakaenda navaSimeoni hama dzavo vakandorwisa vaKenani vaigara muZefati, uye vakaparadza guta iri zvachose. Naizvozvo rakatumidzwa kuti Horima. 18Varume veJudha vakakundazve Gaza, Ashikeroni neEkironi, guta rimwe nerimwe nenyika yaro.

19Jehovha akanga ana vanhu veJudha. Vakatora nyika yezvikomo kuti ive yavo, asi havana kugona kudzinga vanhu vaibva mumapani, nokuti vakanga vane ngoro dzesimbi. 20Sokuvimbisa kwaMozisi, Hebhuroni yakapiwa kuna Karebhu, uyo akabudisa mairi vanakomana vatatu vaAnaki. 21Kunyange zvakadaro, vaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi, vaigara muJerusarema; kusvikira nhasi vaJebhusi vageremo navaBhenjamini.

22Zvino veimba yaJosefa vakarwisa Bheteri, uye Jehovha aiva navo. 23Vakati vatuma vanhu kundosora Bheteri (rainzi Ruzi kare), 24Vasori vakaona murume achibuda muguta vakati kwaari, “Tiratidze kuti tingapinda sei muguta tigokuitira zvakanaka.” 25Saka akavaratidza, uye vakakunda guta nomunondo asi vakaponesa murume uya nemhuri yake. 26Ipapo akaenda kunyika yavaHiti, kwaakandovaka guta akaritumidza kuti Ruzi, rinova ndiro zita raro nanhasi.

27Asi Manase haana kudzinga vanhu veBheti Shani kana veTanaki kana veDhori kana veIbhireami kana veMegidho uye nenzvimbo dzavo dzokugara dzakapoteredza, nokuti vaKenani vakanga vazvipira kuti vagare munyika iyoyo. 28VaIsraeri vakati vasimba vakamanikidza vaKenani kuti vashande basa rechibharo asi havana kumbovadzinga zvachose. 29Uye Efuremu haana kudzingawo vaKenani vaigara muGeeri, asi vaKenani vakaramba vagere pakati pavo. 30NaZebhuruniwo haana kudzinga vaKenani vaigara muKitironi kana muNaharori, avo vakaramba vagere pakati pavo; asi vakaita kuti vaite basa rechibharo. 31Uye Asheri haanawo kudzinga vaya vaigara muAko kana veSidhoni kana Ahirabhi kana Akizibhi kana Heribha kana Afeki kana Rehobhi, 32uye nokuda kwaizvozvo vanhu veAsheri vakagara pakati pavaKenani avo vaigara munyika. 33Nafutari haana kudzinga avo vaigara muBheti Shemeshi kana muBheti Anati; asi vaNafutari vakagarawo pakati pavaKenani vaigara munyika, uye vaya vaigara muBheti Shemeshi neBheti Anati vakava vashandi vebasa rechibharo. 34VaAmori vakasundira vaDhani kunyika yezvikomo, vakasavatendera kuburuka kuti vauye kumapani. 35Uye vaAmori vakashingirira kuti varambe vari muGomo reHeresi, Aijaroni neShaaribhimi, asi simba reimba yaJosefa rakati richiwanda, naivowo vakamanikidzwa kushanda basa rechibharo. 36Muganhu wavaAmori waibva paMupata weChinyavada uchisvika kuSera uye uchipfuurira mberi.

Copyright information for SnaBDSC